Psalms (54/150)  

1. 'Ndirwirei Mwari, nezita renyu, Nditongerei nesimba renyu.
2. Inzwai munyengetero wangu, Mwari; Rerekerai nzeve yenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
3. Nokuti vatorwa vakandimukira, Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo.
4. Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu.
5. Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu; Muvaparadze nokutendeka kwenyu.
6. Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira, Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka.
7. Nokuti akandirwira pakutambudzika kwose; Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu.

  Psalms (54/150)