| ← Psalms (54/150) → |
| 1. | 'Ndirwirei Mwari, nezita renyu, Nditongerei nesimba renyu. |
| 2. | Inzwai munyengetero wangu, Mwari; Rerekerai nzeve yenyu munzwe mashoko omuromo wangu. |
| 3. | Nokuti vatorwa vakandimukira, Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo. |
| 4. | Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu. |
| 5. | Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu; Muvaparadze nokutendeka kwenyu. |
| 6. | Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira, Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka. |
| 7. | Nokuti akandirwira pakutambudzika kwose; Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu. |
| ← Psalms (54/150) → |