| ← Psalms (53/150) → |
| 1. | Benzi rakati mumoyo maro, "Mwari hakuna ." Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka. |
| 2. | Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari. |
| 3. | Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. |
| 4. | "Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari." |
| 5. | Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; Nokuti Mwari akaparadza mapfupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nokuti Mwari akavarasha. |
| 6. | Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafara kwazvo naIsiraeri achafara. |
| ← Psalms (53/150) → |