Psalms (53/150)  

1. Benzi rakati mumoyo maro, "Mwari hakuna ." Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka.
2. Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
3. Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
4. "Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari."
5. Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; Nokuti Mwari akaparadza mapfupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nokuti Mwari akavarasha.
6. Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafara kwazvo naIsiraeri achafara.

  Psalms (53/150)