Psalms (52/150)  

1. Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare? Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose.
2. Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa; Rwakafanana nechisvo chinopinza, ruchiita zvinonyengera.
3. Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka; Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.
4. Unoda mashoko ose okuparadza, Iwe rurimi runonyengera.
5. Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi, Achakubata akakubvisa patende rako, nokukudzura panyika yavapenyu.
6. Vakarurama vachazviona vakatya, Vachamuseka, vachiti,
7. "Tarirai, hoyu munhu asina kuita Mwari nhare yake, Asi akavimba nokuwanda kwefuma yake, Akazvisimbisa pazvakaipa zvake."
8. Asi kana ndirini, ndakafanana nomuorivhi munyoro muimba yaMwari; Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi-peri.
9. Ndichakuvongai nokusingaperi, nokuti ndimi makazviita; Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene venyu nokuti rakanaka.

  Psalms (52/150)