Psalms (51/150)  

1. Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kwounyoro hwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji.
2. Ndisukei zvakaipa zvangu chose, Ndinatsei chivi changu.
3. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
4. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muve usina mhosva pakutonga kwenyu.
5. Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.
6. Tarirai, munoda zvokwadi pamoyo; Munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda.
7. Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka, Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazayi echando.
8. Ndinzwisei mufaro ndive nomoyo muchena; Kuti mapfupa amakavhuna afare.
9. Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, Dzimai zvakaipa zvangu zvose.
10. Sikai mukati mangu moyo wakachena, Mwari; Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.
11. Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.
12. Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda.
13. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
14. Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.
15. Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.
16. Nokuti imi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.
17. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.
18. Itirai Ziyoni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu.
19. Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.

  Psalms (51/150)