| ← Psalms (50/150) → |
| 1. | Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro. |
| 2. | Mwari akapenya Ari paZiyoni, iro rakanaka-naka kwazvo. |
| 3. | Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza. |
| 4. | Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake; |
| 5. | Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro. |
| 6. | Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nokuti Mwari ndiye mutongi amene. |
| 7. | "Inzwai vanhu vangu, ndichataura; Imi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu. |
| 8. | Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose. |
| 9. | Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako. |
| 10. | Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana. |
| 11. | Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu. |
| 12. | Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe; Nokuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo. |
| 13. | Ko ndingadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here? |
| 14. | Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wokumusorosoro mhiko dzako; |
| 15. | Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza." |
| 16. | Asi kuneakaipa Jehovha anoti, "Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako? |
| 17. | Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako. |
| 18. | Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe. |
| 19. | Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema. |
| 20. | Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako. |
| 21. | Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako. |
| 22. | Zvino fungai chinhu ichi, imi vokukanganwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri, |
| 23. | Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari." |
| ← Psalms (50/150) → |