Psalms (5/150)  

1. Inzwai mashoko angu Jehovha,Rangarirai kufunga komoyo wangu.
2. teererai inzwi rokuchema kwangu, imwi Mambo wangu naMwari wangu; Nokuti ndinonyengetera kwamuri.
3. Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu,ndichirindira.
4. Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, munhu, akashata, haangagari nemi.
5. Munhu anozvikudza,haangamiriri pamberi penyu;Munovenga vose vanoita zvakaipa.
6. Muchaparadza anoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.
7. Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nekuwanda kwevunyoro bwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.
8. Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.
9. Nokuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; huro dzavo bwiro bwakashama; Vanobata kumeso norurimi rwavo.
10. Muvapei, mhosva, Jehovha ngavawe namano avo;Nokuti vakakumukirai.
11. Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.
12. Nokuti mucharopafadza akarurama; Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.

  Psalms (5/150)