Psalms (49/150)  

1. Inzwai chinhu ichi, imi vanhu vose; Teererai, imi mose mugere panyika;
2. Imi vaduku navanokudzwa, Vafumi navarombo pamwechete.
3. Muromo wangu uchataura huchenjeri; Uye kufunga kwomoyo wangu kuchava nenjere.
4. Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo; Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira.
5. Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa, Kana zvakaipa, zvavanoda kundidzinga, zvichindikomba?
6. Ivo, vanovimba nefuma yavo, Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwefuma yavo;
7. Hapana angatongodzikunura hama yake, Kana kupa Mwari rudzikunuro pamusoro pake;
8. (Nokuti rudzikunuro rwemweya yawo runokosha, Runofanira kuregwa nokusingaperi;)
9. Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuona kuora.
10. Nokuti anoona kuti vachenjeri vanofa, Benzi neasina njere vanopera pamwechete, Vachisiyira vamwe fuma yavo.
11. Vanofunga pamoyo pavo kuti dzimba dzavo dzichagara nokusingaperi, Nougaro hwavo kusvikira kumarudzi avo ose; Nyika dzavo vanodzitumidza mazita avo.
12. Asi munhu haagari achikudzwa, Akafanana nemhuka dzinopera.
13. Iyi ndiyo nzira yamapenzi; Kunyange zvakadaro vanhu vanovatevera vachitenda zvavanotaura.
14. Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchava mufudzi wavo; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Kunaka kwavo kuchangoparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
15. Asi Mwari achadzikunura mweya wangu pasimba reSheori; Nokuti iye achandigamuchira.
16. Usatya hako iwe kana mumwe munhu achifumiswa, Kana fuma yeimba yake ichiwedzerwa;
17. Nokuti kana achifa hapana chaachaenda nacho; Mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.
18. Kunyange paupenyu hwake waikorokotedza mweya wake, (Kunyange vanhu vaikurumbidza kana uchizviitira zvakanaka),
19. Achaenda iye kurudzi rwamadzibaba ake; Ivo havangatongooni chiedza nokusingaperi.
20. Munhu, anokudzwa, asina njere, Akafanana nemhuka dzinopera.

  Psalms (49/150)