Psalms (46/150)  

1. Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo-pedo panguva dzokumanikidzwa.
2. Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa;
3. Kunyange mvura zhinji yawo yotinhira nokumutswa, Kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo.
4. Rwizi rwuripo nehova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzoWokumusorosoro.
5. Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.
6. Vahedheni vakaita bope, ushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.
7. Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
8. Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika.
9. Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.
10. "Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika."
11. Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.

  Psalms (46/150)