| ← Psalms (46/150) → |
| 1. | Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo-pedo panguva dzokumanikidzwa. |
| 2. | Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa; |
| 3. | Kunyange mvura zhinji yawo yotinhira nokumutswa, Kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo. |
| 4. | Rwizi rwuripo nehova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzoWokumusorosoro. |
| 5. | Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka. |
| 6. | Vahedheni vakaita bope, ushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka. |
| 7. | Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu. |
| 8. | Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika. |
| 9. | Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto. |
| 10. | "Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika." |
| 11. | Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu. |
| ← Psalms (46/150) → |