Psalms (45/150)  

1. moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.
2. Imi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi.
3. Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imi wamasimba, Ukuru hwenyu nohumambo hwenyu.
4. Fambai noumambo hwenyu muchikunda, Nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa.
5. Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamoyo yavavengi vamambo.
6. Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama.
7. Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.
8. nguvo dzenyu dzose dzinonhuwira nemura nearosi neakasia; Madimbwa akakufadzai achiridzwa mudzimba dzamambo dzenyanga dzenzou.
9. Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri.
10. Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kanganwawo vanhu vako, neimba yababa vako;
11. Ipapo mambo achada kunaka kwako; Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.
12. Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vafumi pakati pavanhu vachakumbira ngoni dzako.
13. Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; nguvo dzake dzakarukwa nendarama.
14. Uchaperekwa kuna mambo nenguvo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri.
15. Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo.
16. Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose.
17. Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri.

  Psalms (45/150)