| ← Psalms (45/150) → |
| 1. | moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora. |
| 2. | Imi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi. |
| 3. | Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imi wamasimba, Ukuru hwenyu nohumambo hwenyu. |
| 4. | Fambai noumambo hwenyu muchikunda, Nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa. |
| 5. | Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamoyo yavavengi vamambo. |
| 6. | Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama. |
| 7. | Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu. |
| 8. | nguvo dzenyu dzose dzinonhuwira nemura nearosi neakasia; Madimbwa akakufadzai achiridzwa mudzimba dzamambo dzenyanga dzenzou. |
| 9. | Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri. |
| 10. | Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kanganwawo vanhu vako, neimba yababa vako; |
| 11. | Ipapo mambo achada kunaka kwako; Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe. |
| 12. | Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vafumi pakati pavanhu vachakumbira ngoni dzako. |
| 13. | Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; nguvo dzake dzakarukwa nendarama. |
| 14. | Uchaperekwa kuna mambo nenguvo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri. |
| 15. | Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo. |
| 16. | Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose. |
| 17. | Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri. |
| ← Psalms (45/150) → |