Psalms (44/150)  

1. Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare.
2. Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo.
3. Nokuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, Nokuti maivafarira.
4. Ndimi Mambo wangu, imi Mwari; Rairai kuti Jakobho akunde.
5. Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira.
6. Nokuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi.
7. Asi imi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga.
8. Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi.
9. Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu.
10. Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira.
11. Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni.
12. Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera fuma yenyu nomutengo wavo.
13. Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza.
14. Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro.
15. Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.
16. Nokuda kwenzwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda kwomuvengi nomutsivi.`
17. Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu.
18. moyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu;
19. Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu.
20. Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kunaMwari wavamwe;
21. Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomoyo.
22. Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.
23. Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi.
24. Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikanganwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu?
25. Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu.
26. Simukai mutibatsire, Mutidzikunure nokuda kwounyoro hwenyu.

  Psalms (44/150)