| ← Psalms (44/150) → |
| 1. | Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare. |
| 2. | Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo. |
| 3. | Nokuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, Nokuti maivafarira. |
| 4. | Ndimi Mambo wangu, imi Mwari; Rairai kuti Jakobho akunde. |
| 5. | Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira. |
| 6. | Nokuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi. |
| 7. | Asi imi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga. |
| 8. | Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi. |
| 9. | Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu. |
| 10. | Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira. |
| 11. | Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni. |
| 12. | Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera fuma yenyu nomutengo wavo. |
| 13. | Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza. |
| 14. | Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro. |
| 15. | Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza. |
| 16. | Nokuda kwenzwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda kwomuvengi nomutsivi.` |
| 17. | Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu. |
| 18. | moyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu; |
| 19. | Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu. |
| 20. | Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kunaMwari wavamwe; |
| 21. | Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomoyo. |
| 22. | Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa. |
| 23. | Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi. |
| 24. | Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikanganwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu? |
| 25. | Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu. |
| 26. | Simukai mutibatsire, Mutidzikunure nokuda kwounyoro hwenyu. |
| ← Psalms (44/150) → |