| ← Psalms (42/150) → |
| 1. | (Mapisarema 42 - 72 ) Senondo inotakwairira hova dzemvura, Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari. |
| 2. | Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu, Ndichasvika rinhiko ndionekwe naMwari? |
| 3. | Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, "Mwari wako aripiko?" |
| 4. | Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya wangu mukati mangu, Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira kuimba yaMwari Nenzwi rokufara nokurumbidza, tiri vazhinji vaitamba mutambo. |
| 5. | Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake. |
| 6. | Haiwa Mwari, mweya wangu unosuwa mukati mangu; Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJorodhani, Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari. |
| 7. | Pakadzika panodana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu. |
| 8. | Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu. |
| 9. | Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, "Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza kwomuvengi wangu?" |
| 10. | Zvakafanana nomunondo pamapfupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, "Mwari wako aripiko?" |
| 11. | Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu. |
| ← Psalms (42/150) → |