Psalms (42/150)  

1. (Mapisarema 42 - 72 ) Senondo inotakwairira hova dzemvura, Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari.
2. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu, Ndichasvika rinhiko ndionekwe naMwari?
3. Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, "Mwari wako aripiko?"
4. Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya wangu mukati mangu, Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira kuimba yaMwari Nenzwi rokufara nokurumbidza, tiri vazhinji vaitamba mutambo.
5. Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake.
6. Haiwa Mwari, mweya wangu unosuwa mukati mangu; Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJorodhani, Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari.
7. Pakadzika panodana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
8. Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
9. Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, "Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza kwomuvengi wangu?"
10. Zvakafanana nomunondo pamapfupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, "Mwari wako aripiko?"
11. Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.

  Psalms (42/150)