Psalms (41/150)  

1. Akakomborerwa ane hanya navarombo Jehovha achamurwira nomusi wezvakaipa.
2. Jehovha achamuchengeta nokumuraramisa, achakomborerwa panyika; Hamungamuisi pakuda kwavavengi vake,
3. Jehovha achamutsigira panhovo yourwere; Munoshandura nhovo dzake dzose pakurwa kwake.
4. Ini ndakati, "Jehovha, ndinzwirei tsitsi; Poresai mweya wangu; nokuti ndakakutadzirai."
5. Vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu, vachiti, "Uchagofa rinhiko, zita rake rirove?
6. Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvisina maturo; moyo wake unozviunganidzira zvakaipa; Kana obuda kumwe, anozviparidza.
7. Vose, vanondivenga, vanoita zeve-zeve pamwechete pamusoro pangu; Vanorangana kundikuvadza,
8. Chinhu chakaipa chakamunamatira ndizvo zvavanotaura; Zvino zvaavata pasi, haachazomukizve.
9. Haiwa, kunyange shamwari yangu chaiyo, wandaivimba naye, aidya zvokudya zvangu, Naiye andisimudzira chichitsinho chake.
10. Asi imi Jehovha, ndinzwirei tsitsi, mundisimudzei, Kuti ndivatsive.
11. Ndinoziviswa nechinhu ichi kuti munofadzwa neni, Nokuti muvengi wangu haandikundi.
12. Kana ndirini munonditsigira pakururama kwangu, Munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.
13. Jehovha, Mwari waIsiraeri, ngaavongwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi Ameni, zvirokwazvo Ameni.

  Psalms (41/150)