Psalms (40/150)  

1. Ndakarindira-rindira Jehovha; Akarerekera nzeve kwandiri, akanzwa kuchema kwangu.
2. Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akandisimbisa pakufamba kwangu.
3. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwokurumbidza Mwari wedu narwo; Vazhinji vachazviona, vachitya, Vachavimba naJehovha.
4. Akakomborerwa anoita Jehovha chivando chake. Asina hanya navanozvikudza, navanotsaukira kunhema.
5. Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, Nemifungo yenyu kwatiri; Hapana angaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.
6. Imi hamufadzwi nezvibayiro nezvipiriso; Makandidziurira nzeve dzangu; Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva.
7. Ipapo ndakati, "Tarirai, ndauya; Parugwaro rwakapetwa ndakazvirairwa,
8. Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; Zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumoyo mangu."
9. Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; Tarirai, handingadzori miromo yangu, Jehovha, munozviziva
10. Handina kuvanza kururama kwenyu muwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu.
11. Jehovha, imi hamungandinyimi ngoni dzenyu; Unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu zvichandichengeta nguva dzose.
12. Nokuti madambudzo asingaverengwi akandikomberedza, Zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; Zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu, ndapera moyo.
13. Jehovha ngazvikufadzei kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.
14. Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe pamwechete. Ivo vanotsvaka mweya wangu kuti vauparadze, gavadzoserwe shure, vashorwe Ivo vanofarira kundikuvadza.
15. Ngavavhunduswe nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti kwandiri, "Hekani, hekani waro!"
16. Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri, Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, "Jehovha ngaakudzwe!"
17. Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kunyange zvakadaro Ishe anondifunga; Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Mwari wangu.

  Psalms (40/150)