← Psalms (4/150) → |
1. | Ndipindurei kana ndichidana,Mwari wokururama kwangu;Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu. |
2. | Nhai vanakomana vavanhu kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko? Muchada zvisina maturo , nekutsvaka nhema kusvikira rinhi? |
3. | Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu ,anomuda Jehovha uchanzwa kana ndichidana kwaari. |
4. | Ityai murege kutadza; Tauriranai nemoyo yenyu panhovo dzenyu,muti mwii. |
5. | Bayirai zvibayiro zvokururama, muvimbe naJehovha |
6. | Vazhinji variko vanoti,"Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu." |
7. | makaisa mufaro mumoyo mangu,Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa. |
8. | ndichavata pasi nerugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba. |
← Psalms (4/150) → |