Psalms (39/150)  

1. Ndakati, "Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu."
2. Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa.
3. moyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,
4. "Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu."
5. Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi hwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi.
6. Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya.
7. Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri.
8. Ndirwirei pakudarika kwangu kwose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.
9. Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; Nokuti ndimi makazviita.
10. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.
11. Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechivhundudzi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.
12. Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu; Nokuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
13. Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.

  Psalms (39/150)