| ← Psalms (38/150) → | 
| 1. | Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru. | 
| 2. | Nokuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo. | 
| 3. | Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu. | 
| 4. | Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema. | 
| 5. | Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kwohupenzi hwangu. | 
| 6. | Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose. | 
| 7. | Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru; Hakuchina hukukutu panyama yangu. | 
| 8. | Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomoyo wangu. | 
| 9. | Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu. | 
| 10. | moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri. | 
| 11. | Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure. | 
| 12. | Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose. | 
| 13. | Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo. | 
| 14. | Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake. | 
| 15. | Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; Imi muchapindura, Jehovha Mwari wangu. | 
| 16. | Nokuti ndakati, "Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu." | 
| 17. | Nokuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose. | 
| 18. | Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu. | 
| 19. | Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda. | 
| 20. | Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nokuti ndinotevera chinhu chakanaka. | 
| 21. | Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni. | 
| 22. | Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imi muponesi wangu. | 
| ← Psalms (38/150) → |