Psalms (38/150)  

1. Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.
2. Nokuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.
3. Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu.
4. Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema.
5. Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kwohupenzi hwangu.
6. Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.
7. Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru; Hakuchina hukukutu panyama yangu.
8. Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomoyo wangu.
9. Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.
10. moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri.
11. Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure.
12. Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.
13. Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.
14. Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake.
15. Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; Imi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.
16. Nokuti ndakati, "Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu."
17. Nokuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.
18. Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu.
19. Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.
20. Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nokuti ndinotevera chinhu chakanaka.
21. Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni.
22. Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imi muponesi wangu.

  Psalms (38/150)