Psalms (37/150)  

1. Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.
2. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema.
3. Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka.
4. Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomoyo wako.
5. Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.
6. Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.
7. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga.
8. Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.
9. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
10. Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.
11. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.
12. Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanira meno ake.
13. Ishe achamuseka; Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya.
14. Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira;
15. Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa.
16. Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura zvakawanda zvavakaipa vazhinji.
17. Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama.
18. Jehovha anoziva mazuva avane moyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi.
19. Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa.
20. Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi.
21. Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane ngoni, anopa.
22. Nokuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.
23. Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake.
24. Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
25. Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.
26. Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.
27. Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi.
28. Nokuti Jehovha unoda zvakarurama, Haasiyi vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.
29. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi.
30. Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama.
31. Murayiro waMwari wake uri mumoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.
32. Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya.
33. Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa.
34. Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.
35. Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.
36. Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.
37. Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.
38. Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.
39. Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.
40. Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, Nokuti vakandovanda maari.

  Psalms (37/150)