| ← Psalms (35/150) → |
| 1. | Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; Irwai navanorwa neni. |
| 2. | Torai nhovo huru neduku, Musimuke kundibatsira. |
| 3. | Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira yavanonditeverera, Itiyi kumweya wangu, "Ndini muponesi wako." |
| 4. | Vanotsvaka mweya wangu ngavanyadziswe, vazvidzwe; Vanofunga kundiitira zvakaipa ngavadzoserwe shure vakanganiswe. |
| 5. | Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumwa waJehovha achivasundira. |
| 6. | Nzira yavo ngaive nerima, itedze, Mutumwa waJehovha achivateverera. |
| 7. | Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira mimbure yavo muhunza, Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza. |
| 8. | Kuparadzwa ngakumuwire akangofara; Uye mumbure wake waakavanza ngaumubate amene; Ngaawiremo aparadzwe. |
| 9. | Mweya wangu uchafarira Jehovha Uchafarira kuponesa kwake. |
| 10. | Mapfupa angu ose achati, "Jehovha ndianiko akafanana nemi, Imi munorwira murombo panaiye akamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba? |
| 11. | Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka; Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi |
| 12. | Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa, Vachibira mweya wangu. |
| 13. | Asi kana ndirini, pakurwara kwavo ndakafuka masaga; Ndakatambudza mweya wangu ndichizvinyima zvokudya; Munyengetero wangu ukadzokera kuchipfuva changu. |
| 14. | Ndakaita seyaiva shamwari yangu kana hama yangu; Ndakakotama ndichichema, somunhu anochema mai vake. |
| 15. | Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwechete; Vanhu vakashata kwazvo vakaungana kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi; Vakandibvambura, vasingaregi; |
| 16. | Savadadiri vakaipa pamitambo Vakandirumanyira meno avo. |
| 17. | Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba. |
| 18. | Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. |
| 19. | Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso. |
| 20. | Nokuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera. |
| 21. | Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, "Hekani, hekani! Meso edu akazviona." |
| 22. | Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni. |
| 23. | Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu. |
| 24. | Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu. |
| 25. | Ngavarege kuti mumoyo mavo, "Hekani, ndizvo zvatanga tichida;" Ngavarege kuti, "Tamumedza." |
| 26. | Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu. |
| 27. | Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, "Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara kwomuranda wake." |
| 28. | Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose. |
| ← Psalms (35/150) → |