Psalms (35/150)  

1. Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; Irwai navanorwa neni.
2. Torai nhovo huru neduku, Musimuke kundibatsira.
3. Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira yavanonditeverera, Itiyi kumweya wangu, "Ndini muponesi wako."
4. Vanotsvaka mweya wangu ngavanyadziswe, vazvidzwe; Vanofunga kundiitira zvakaipa ngavadzoserwe shure vakanganiswe.
5. Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumwa waJehovha achivasundira.
6. Nzira yavo ngaive nerima, itedze, Mutumwa waJehovha achivateverera.
7. Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira mimbure yavo muhunza, Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza.
8. Kuparadzwa ngakumuwire akangofara; Uye mumbure wake waakavanza ngaumubate amene; Ngaawiremo aparadzwe.
9. Mweya wangu uchafarira Jehovha Uchafarira kuponesa kwake.
10. Mapfupa angu ose achati, "Jehovha ndianiko akafanana nemi, Imi munorwira murombo panaiye akamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba?
11. Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka; Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi
12. Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa, Vachibira mweya wangu.
13. Asi kana ndirini, pakurwara kwavo ndakafuka masaga; Ndakatambudza mweya wangu ndichizvinyima zvokudya; Munyengetero wangu ukadzokera kuchipfuva changu.
14. Ndakaita seyaiva shamwari yangu kana hama yangu; Ndakakotama ndichichema, somunhu anochema mai vake.
15. Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwechete; Vanhu vakashata kwazvo vakaungana kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi; Vakandibvambura, vasingaregi;
16. Savadadiri vakaipa pamitambo Vakandirumanyira meno avo.
17. Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba.
18. Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
19. Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso.
20. Nokuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera.
21. Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, "Hekani, hekani! Meso edu akazviona."
22. Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni.
23. Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu.
24. Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu.
25. Ngavarege kuti mumoyo mavo, "Hekani, ndizvo zvatanga tichida;" Ngavarege kuti, "Tamumedza."
26. Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu.
27. Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, "Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara kwomuranda wake."
28. Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

  Psalms (35/150)