Psalms (34/150)  

1. Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.
2. Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara.
3. Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete.
4. Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kwose.
5. Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi.
6. Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose.
7. Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira.
8. Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Akakomborerwa munhu anovimba naye.
9. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake; Nokuti vanomutya havana chavanoshaiwa.
10. Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.
11. Uyai imi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
12. Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka?
13. Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera.
14. Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere.
15. Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.
16. Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika.
17. Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose.
18. Jehovha ari pedo navane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika.
19. Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.
20. Anochengeta mapfupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.
21. Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva.
22. Jehovha anodzikunura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.

  Psalms (34/150)