| ← Psalms (34/150) → |
| 1. | Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu. |
| 2. | Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara. |
| 3. | Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete. |
| 4. | Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kwose. |
| 5. | Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi. |
| 6. | Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose. |
| 7. | Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira. |
| 8. | Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Akakomborerwa munhu anovimba naye. |
| 9. | Ityai Jehovha, imi vatsvene vake; Nokuti vanomutya havana chavanoshaiwa. |
| 10. | Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa. |
| 11. | Uyai imi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha. |
| 12. | Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka? |
| 13. | Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera. |
| 14. | Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere. |
| 15. | Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. |
| 16. | Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika. |
| 17. | Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose. |
| 18. | Jehovha ari pedo navane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika. |
| 19. | Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose. |
| 20. | Anochengeta mapfupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa. |
| 21. | Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva. |
| 22. | Jehovha anodzikunura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva. |
| ← Psalms (34/150) → |