| ← Psalms (33/150) → |
| 1. | Farisai munaJehovha, imi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama. |
| 2. | Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso dzine gumi. |
| 3. | Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru. |
| 4. | Nokuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka. |
| 5. | Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha. |
| 6. | Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema kwomuromo wake. |
| 7. | Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura. |
| 8. | Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake. |
| 9. | Nokuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba. |
| 10. | Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba. |
| 11. | Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomoyo wake kusvikira kundudzi dzose. |
| 12. | Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake. |
| 13. | Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu; |
| 14. | Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika. |
| 15. | Iye anoumba moyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose |
| 16. | Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru. |
| 17. | Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru. |
| 18. | Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake; |
| 19. | Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara. |
| 20. | Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu. |
| 21. | Nokuti moyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene. |
| 22. | Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai. |
| ← Psalms (33/150) → |