Psalms (32/150)  

1. Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake
2. Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake.
3. Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose.
4. Nokuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati novusiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.
5. Ndakakuzivisai chakaipa changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati,"ndicharevurura kudarika kwangu kuna Jehovha;" Imwi makandikangamwira kuipa kwechivi changu.
6. Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari.
7. Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kupinda pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwira.
8. Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.
9. Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.
10. Akaipa achava nenjodzi zhinji; Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi.
11. Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama;Pururudzai nomufaro, imimakachena pamoyo.

  Psalms (32/150)