| ← Psalms (32/150) → | 
| 1. | Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake | 
| 2. | Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake. | 
| 3. | Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose. | 
| 4. | Nokuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati novusiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo. | 
| 5. | Ndakakuzivisai chakaipa changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati,"ndicharevurura kudarika kwangu kuna Jehovha;" Imwi makandikangamwira kuipa kwechivi changu. | 
| 6. | Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari. | 
| 7. | Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kupinda pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwira. | 
| 8. | Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako. | 
| 9. | Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri. | 
| 10. | Akaipa achava nenjodzi zhinji; Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi. | 
| 11. | Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama;Pururudzai nomufaro, imimakachena pamoyo. | 
| ← Psalms (32/150) → |