| ← Psalms (31/150) → | 
| 1. | Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu. | 
| 2. | Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa. | 
| 3. | Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu. | 
| 4. | Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; Nokuti ndimi nhare yangu. | 
| 5. | Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikunura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi. | 
| 6. | Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo; Asi ndichavimba naJehovha. | 
| 7. | Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; Nokuti makaona kutambudzika kwangu; Makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu; | 
| 8. | Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi; Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana. | 
| 9. | Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguvo. | 
| 10. | Nokuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara. | 
| 11. | Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza. | 
| 12. | Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika. | 
| 13. | Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu. | 
| 14. | Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, "Ndimi Mwari wangu." | 
| 15. | Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza. | 
| 16. | Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu. | 
| 17. | Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori. | 
| 18. | Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu! | 
| 19. | Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu; | 
| 20. | Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi. | 
| 21. | Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba. | 
| 22. | Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, "Ndabviswa pamberi penyu;" Kunyange zvakadaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri. | 
| 23. | Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza. | 
| 24. | Ivai nesimba, uye moyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha. | 
| ← Psalms (31/150) → |