Psalms (31/150)  

1. Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu.
2. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa.
3. Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.
4. Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; Nokuti ndimi nhare yangu.
5. Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikunura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi.
6. Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo; Asi ndichavimba naJehovha.
7. Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; Nokuti makaona kutambudzika kwangu; Makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu;
8. Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi; Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
9. Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguvo.
10. Nokuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara.
11. Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza.
12. Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika.
13. Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu.
14. Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, "Ndimi Mwari wangu."
15. Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza.
16. Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu.
17. Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori.
18. Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!
19. Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu;
20. Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi.
21. Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba.
22. Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, "Ndabviswa pamberi penyu;" Kunyange zvakadaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.
23. Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.
24. Ivai nesimba, uye moyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.

  Psalms (31/150)