| ← Psalms (30/150) → | 
| 1. | Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha; nokuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nokuda kwangu. | 
| 2. | Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imi mukandiponesa. | 
| 3. | Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba. | 
| 4. | Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene. | 
| 5. | Nokuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi ngoni dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani. | 
| 6. | Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, "Handingatongozununguswi." | 
| 7. | Imi Jehovha, nengoni dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika. | 
| 8. | Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha; | 
| 9. | "Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira zvokwadi yenyu here? | 
| 10. | Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu." | 
| 11. | Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro; | 
| 12. | Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi. | 
| ← Psalms (30/150) → |