Psalms (3/150)  

1. Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vawanda sei! Vazhinji vanondimukira.
2. Vazhinji variko vanoti kumweya wangu, "Haano ruponeso kuna Mwari."
3. Asi imi Jehovha muri nhovo yangu kumativi ose; Kudzo yangu, nomusimudzi womusoro wangu,
4. Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu, Iye anondipindura ari pagomo rake dzvene.
5. Ndakavata pasi ndikabatwa nehope; Ndikamuka; nokuti Jehovha anonditsigira.
6. Handingatyi zviuru zvamazana zvavanhu, Vakandikomberedza kuzorwa neni.
7. Simukai, Jehovha; ndirwirei, Mwari wangu; Nokuti makarova vavengi vangu vose pashaya dzavo; Makavhuna meno avakaipa.
8. Ruponeso runobva kuna Jehovha; Kukomborera kwenyu ngakuve pamusoro pavanhu venyu.

  Psalms (3/150)