| ← Psalms (3/150) → |
| 1. | Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vawanda sei! Vazhinji vanondimukira. |
| 2. | Vazhinji variko vanoti kumweya wangu, "Haano ruponeso kuna Mwari." |
| 3. | Asi imi Jehovha muri nhovo yangu kumativi ose; Kudzo yangu, nomusimudzi womusoro wangu, |
| 4. | Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu, Iye anondipindura ari pagomo rake dzvene. |
| 5. | Ndakavata pasi ndikabatwa nehope; Ndikamuka; nokuti Jehovha anonditsigira. |
| 6. | Handingatyi zviuru zvamazana zvavanhu, Vakandikomberedza kuzorwa neni. |
| 7. | Simukai, Jehovha; ndirwirei, Mwari wangu; Nokuti makarova vavengi vangu vose pashaya dzavo; Makavhuna meno avakaipa. |
| 8. | Ruponeso runobva kuna Jehovha; Kukomborera kwenyu ngakuve pamusoro pavanhu venyu. |
| ← Psalms (3/150) → |