Psalms (28/150)  

1. Ndichadana kwamuri, Jehovha; Dombo rangu, regai kundinyararira; Zvimwe, kana mukandinyararira, Ndingafanana navanoburukira kugomba.
2. Inzwai inzwi remikumbiro yangu, kana ndichichema kwamuri, Kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene.
3. Musandibvuta pamwechete navakaipa, Navanoita zvakashata; Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo, Asi zvakashata zviri mumoyo mavo.
4. Muvape zvakaenzana nebasa ravo, uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita, Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo; Muvaitire sezvakavafanira.
5. Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha, Nezvaakabata namaoko ake, Iye achavaputsa, akasavavakazve.
6. Jehovha ngaavongwe, Nokuti akanzwa inzwi rokukumbira kwangu.
7. Jehovha ndiye simba rangu nenhovo yangu; moyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka moyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.
8. Jehovha ndiye simba ravo, Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake.
9. Ponesai vanhu venyu, muropafadze nhaka yenyu; Muvafudzewo, muvatakure nokusingaperi.

  Psalms (28/150)