| ← Psalms (27/150) → |
| 1. | Jehovha ndiye chiedza changu noMuponesi wangu; ndingagotya aniko? Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhunduswa naniko? |
| 2. | Vaiti vezvakaipa vakati vachiuya kwandiri kuzodya nyama yangu, Ivo vadzivisi vangu navavengi vangu, vakagumburwa vakawa. |
| 3. | Kunyange hondo ikandikomba, moyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha. |
| 4. | Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake. |
| 5. | Nokuti nomusi wenjodzi anondiviga mudumba rake, Uchandivanza pakavanda patende rake; Uchandikwiridza padombo. |
| 6. | Zvino musoro wangu uchasimudzirwa kumusoro kwavavengi vangu vanondikomba; Ndichamubayira zvibayiro zvomufaro patende rake. Ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimbira Jehovha nziyo dzokumurumbidza. |
| 7. | Inzwai Jehovha, kana ndichidana nenzwi rangu; Ndinzwirei tsitsi, mundipindure. |
| 8. | Panguva yamakati, "Tsvakai chiso changu;" moyo wakati kwamuri, "Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka." |
| 9. | Regai kundivanzira chiso chenyu; Musadzinga muranda wenyu pakutsamwa kwenyu; Makanga muri mubatsiri wangu; Regai kundirasha, kana kundisiya, imi Mwari muponesi wangu. |
| 10. | Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, Asi Jehovha achandigamuchira. |
| 11. | Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; Mundifambise panzira yakati chechetere, Nokuda kwavanondivandira. |
| 12. | Musandisundira pakuda kwavadzivisi vangu; Nokuti zvapupu zvenhema zvakandimukira, navanofemereka hasha. |
| 13. | Ndingadai ndakafa hangu, kana ndisina kutenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha. Panyika yavapenyu. |
| 14. | Rindira Jehovha; Iva nesimba, nomoyo wako utsunge; Ndinoti, rindira Jehovha. |
| ← Psalms (27/150) → |