Psalms (26/150)  

1. Nditongerei Jehovha, nokuti ndakafamba nokusanyengera kwangu; Ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti.
2. Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, Natsai itsvo dzangu nomoyo wangu.
3. Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pameso angu, Ndakafamba muzvokwadi yenyu.
4. Handina kugara navanhu venhema, Handingafambidzani navanyengeri.
5. Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa, Handingagari navatadzi.
6. Ndichashambidza maoko angu ndisina mhosva; Ndigopoteredza aritari yenyu saizvozvo, Jehovha.
7. Kuti ndiparidze nenzwi rokuvonga, Ndiudze vanhu zvamabasa enyu ose anoshamisa.
8. Jehovha, ndinoda hugaro hweimba yenyu, Nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu.
9. Regai kusanganisa mweya wangu pamwechete navatadzi, Noupenyu hwangu navateuri veropa;
10. Vakabata zvakashata pamaoko avo, Ruoko rwavo rworudyi ruzere nefufuro.
11. Asi kana ndirini ndichafamba nokusanyengera kwangu; Ndidzikunurei, mundinzwire tsitsi.
12. Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere; Ndicharumbidza Jehovha paungano

  Psalms (26/150)