| ← Psalms (25/150) → | 
| 1. | Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri. | 
| 2. | Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda. | 
| 3. | Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu. | 
| 4. | Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu. | 
| 5. | Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; Nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose. | 
| 6. | Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro hwenyu; Nokuti zvaivapo kare nakare. | 
| 7. | Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro hwenyu, Nokuda kwokunaka kwenyu, | 
| 8. | Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira. | 
| 9. | Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake. | 
| 10. | Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nezvokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake. | 
| 11. | Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kanganwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru. | 
| 12. | Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura. | 
| 13. | Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika. | 
| 14. | Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake. | 
| 15. | Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure. | 
| 16. | Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika. | 
| 17. | matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu. | 
| 18. | Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikanganwire zvivi zvangu zvose. | 
| 19. | Tarirai vavengi vangu, nokuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo. | 
| 20. | Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemi. | 
| 21. | Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, Nokuti ndinokumirirai. | 
| 22. | dzikunurai Isiraeri, imi Mwari, Panjodzi dzake dzose. | 
| ← Psalms (25/150) → |