Psalms (25/150)  

1. Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri.
2. Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda.
3. Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu.
4. Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu.
5. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; Nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose.
6. Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro hwenyu; Nokuti zvaivapo kare nakare.
7. Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro hwenyu, Nokuda kwokunaka kwenyu,
8. Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira.
9. Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake.
10. Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nezvokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.
11. Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kanganwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru.
12. Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura.
13. Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika.
14. Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake.
15. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure.
16. Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.
17. matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.
18. Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikanganwire zvivi zvangu zvose.
19. Tarirai vavengi vangu, nokuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo.
20. Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemi.
21. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, Nokuti ndinokumirirai.
22. dzikunurai Isiraeri, imi Mwari, Panjodzi dzake dzose.

  Psalms (25/150)