| ← Psalms (24/150) → |
| 1. | Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo; Nyika yose navageremo. |
| 2. | Nokuti wakaiteya pamusoro pamakungwa, Nokuisimbisa pamusoro penzizi. |
| 3. | Ndiani angakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene? |
| 4. | Uyo anamaoko akachena, nomoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri moyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema. |
| 5. | Iye achapiwa mukomborero naJehovha, Nokururamiswa naMwari muponesi wake. |
| 6. | Urwu ndirwo rudzi rwavanomutsvaka, Vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. |
| 7. | Simudzai misoro yenyu, imi masuo; Musimudzwe imi, magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde. |
| 8. | Ndianiko iye Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Iye Jehovha anoumhare pakurwa. |
| 9. | Simudzai misoro yenyu, imi masuo; Muisimudze, imi magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde. |
| 10. | Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Jehovha wehondo, Ndiye Mambo wokubwinya. |
| ← Psalms (24/150) → |