Psalms (23/150)  

1. Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa.
2. Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza.
3. Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
4. Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
5. Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka.
6. Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.

  Psalms (23/150)