| ← Psalms (23/150) → |
| 1. | Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa. |
| 2. | Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza. |
| 3. | Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake. |
| 4. | Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. |
| 5. | Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka. |
| 6. | Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva. |
| ← Psalms (23/150) → |