Psalms (22/150)  

1. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu?
2. Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo.
3. Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri.
4. Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira.
5. Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa.
6. Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose.
7. Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti,
8. "Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngaamurwire, zvaanomufarira iye."
9. Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu.
10. Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.
11. Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedo; Nokuti hapana angabatsira.
12. Hondo zhinji dzakandikomba; Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza.
13. Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza ichiomba.
14. Ndakadururwa semvura, Mapfupa angu ose akasvodogoka; moyo wangu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moura hwangu.
15. Simba rangu rakaoma sechaenga; Rurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; Makandiisa paguruva rorufu.
16. Nokuti imbwa dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu;
17. Ndingaverenga mapfupa angu ose; Vanonditarira nokundinan’anidza;
18. Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.
19. Asi imi Jehovha, regai kuva kure neni; Imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
20. Rwirai mweya wangu pamunondo; Mudikanwa wangu pasimba rembwa.
21. Ndiponesei pamuromo weshumba; Zvirokwazvo, makandipindura ndiri pakati penyanga dzenyati.
22. Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; Ndichakurumbidzai pakati peungano.
23. Imi munotya Jehovha, murumbidzei; Imi mose vana vaJakobho, mukudzei; Mumutyei, imi mose vana vaIsiraeri.
24. Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko raanotambudzwa; Kana kumuvanzira chiso chake; Asi panguva yaakachema kwaari akamunzwa.
25. Kurumbidza kwangu paungano huru kunobva kwamuri; Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya.
26. Vanyoro vachadya vakaguta; Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza; moyo yenyu ngairarame nokusingaperi.
27. Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri.
28. Nokuti ushe ndohwaJehovha; Ndiye mubati wavahedheni.
29. Vakuru vose venyika vachadya nokunamata; Vose vanoburukira kuguruva vachapfugama pamberi pake, Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake.
30. Vana vake vachanamata kwaari; Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha.
31. Vachauya vachidudzira kururama kwake Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita.

  Psalms (22/150)