| ← Psalms (22/150) → |
| 1. | Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu? |
| 2. | Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo. |
| 3. | Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri. |
| 4. | Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira. |
| 5. | Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa. |
| 6. | Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose. |
| 7. | Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti, |
| 8. | "Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngaamurwire, zvaanomufarira iye." |
| 9. | Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu. |
| 10. | Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu. |
| 11. | Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedo; Nokuti hapana angabatsira. |
| 12. | Hondo zhinji dzakandikomba; Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza. |
| 13. | Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza ichiomba. |
| 14. | Ndakadururwa semvura, Mapfupa angu ose akasvodogoka; moyo wangu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moura hwangu. |
| 15. | Simba rangu rakaoma sechaenga; Rurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; Makandiisa paguruva rorufu. |
| 16. | Nokuti imbwa dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu; |
| 17. | Ndingaverenga mapfupa angu ose; Vanonditarira nokundinan’anidza; |
| 18. | Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu. |
| 19. | Asi imi Jehovha, regai kuva kure neni; Imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira. |
| 20. | Rwirai mweya wangu pamunondo; Mudikanwa wangu pasimba rembwa. |
| 21. | Ndiponesei pamuromo weshumba; Zvirokwazvo, makandipindura ndiri pakati penyanga dzenyati. |
| 22. | Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; Ndichakurumbidzai pakati peungano. |
| 23. | Imi munotya Jehovha, murumbidzei; Imi mose vana vaJakobho, mukudzei; Mumutyei, imi mose vana vaIsiraeri. |
| 24. | Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko raanotambudzwa; Kana kumuvanzira chiso chake; Asi panguva yaakachema kwaari akamunzwa. |
| 25. | Kurumbidza kwangu paungano huru kunobva kwamuri; Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya. |
| 26. | Vanyoro vachadya vakaguta; Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza; moyo yenyu ngairarame nokusingaperi. |
| 27. | Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri. |
| 28. | Nokuti ushe ndohwaJehovha; Ndiye mubati wavahedheni. |
| 29. | Vakuru vose venyika vachadya nokunamata; Vose vanoburukira kuguruva vachapfugama pamberi pake, Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake. |
| 30. | Vana vake vachanamata kwaari; Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha. |
| 31. | Vachauya vachidudzira kururama kwake Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita. |
| ← Psalms (22/150) → |