| ← Psalms (20/150) → | 
| 1. | Jehovha ngaakupindure nomusi wokutambudzika; Zita raMwari waJakobho ngarikuise pakakwirira; | 
| 2. | Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, Akutsigire nesimba rinobva Ziyoni. | 
| 3. | Ngaarangarire zvipiriso zvako zvose, Agamuchire zvibayiro zvako zvinopiswa; | 
| 4. | Ngaakupe zvinodikanwa nomoyo wako, Ngaaite sezvawakafunga. | 
| 5. | Tichafara kwazvo nokukunda kwenyu, Tichasimudza mireza yedu nezita raMwari wedu; Jehovha ngaaite zvose zvawakakumbira. | 
| 6. | Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; Achamupindura ari kudenga kwake kutsvene Nesimba roruoko rwake rworudyi, rinoponesa. | 
| 7. | Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza; Asi isu tichareva zita raJehovha Mwari wedu. | 
| 8. | Ivo vakotamiswa, vawira pasi; Asi isu tasimuka, timire zvakanaka. | 
| 9. | Ponesai, Jehovha; Mambo ngaatipindure kana tichidana. | 
| ← Psalms (20/150) → |