Psalms (2/150)  

1. Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo?
2. Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti,
3. "Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri."
4. Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira.
5. Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru;
6. "Kunyange zvakadaro ndakagadza mambo wangu paZiyoni, iro gomo rangu dzvene."
7. Ndichaparidza chirevo, chinoti, "Jehovha akati kwandiri, `Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka.
8. Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako.
9. Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuumbi.' "
10. Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; Munyeverwe, imi vatongi venyika.
11. Shumirai Jehovha nokutya, Mufare muchidedera.
12. Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.

  Psalms (2/150)