Psalms (19/150)  

1. Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.
2. Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.
3. Hapana kutaura, kana mashoko; inzwi razvo harinzwiki.
4. Rwonzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo.
5. Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.
6. Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro.
7. Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere.
8. Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.
9. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo.
10. Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi.
11. Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva?
12. Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika.
13. Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru.
14. Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, Imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikunuri wangu.

  Psalms (19/150)