| ← Psalms (19/150) → |
| 1. | Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake. |
| 2. | Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere. |
| 3. | Hapana kutaura, kana mashoko; inzwi razvo harinzwiki. |
| 4. | Rwonzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo. |
| 5. | Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro. |
| 6. | Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro. |
| 7. | Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. |
| 8. | Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso. |
| 9. | Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo. |
| 10. | Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi. |
| 11. | Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva? |
| 12. | Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika. |
| 13. | Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru. |
| 14. | Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, Imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikunuri wangu. |
| ← Psalms (19/150) → |