| ← Psalms (18/150) → |
| 1. | "Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu." |
| 2. | Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira. |
| 3. | Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu. |
| 4. | Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa. |
| 5. | Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira. |
| 6. | Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake. |
| 7. | Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa. |
| 8. | Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. |
| 9. | Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. |
| 10. | Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo. |
| 11. | Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga. |
| 12. | Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto. |
| 13. | Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto. |
| 14. | Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa. |
| 15. | Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema kwomweya wemhino dzenyu. |
| 16. | Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji. |
| 17. | Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nokuti vakanga vondikurira. |
| 18. | Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. |
| 19. | Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti akanga achindifarira. |
| 20. | Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu. |
| 21. | Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera. |
| 22. | Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema. |
| 23. | Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu. |
| 24. | Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. |
| 25. | Ane ngoni munomuitirawo nengoni, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama; |
| 26. | Akanaka munomuitirawo zvakanaka, Nowakatsauka, munomuitirawo nehasha. |
| 27. | Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza. |
| 28. | Nokuti imi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu. |
| 29. | Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. |
| 30. | Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye. |
| 31. | Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? |
| 32. | Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. |
| 33. | Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. |
| 34. | Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anhwembura uta hwendarira. |
| 35. | Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. |
| 36. | Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. |
| 37. | Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. |
| 38. | Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. |
| 39. | Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. |
| 40. | Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. |
| 41. | Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. |
| 42. | Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha. |
| 43. | Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. |
| 44. | Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri. |
| 45. | Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. |
| 46. | Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe. |
| 47. | Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu. |
| 48. | Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza. |
| 49. | Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. |
| 50. | Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; ,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi. |
| ← Psalms (18/150) → |