Psalms (18/150)  

1. "Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu."
2. Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira.
3. Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
4. Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
5. Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira.
6. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake.
7. Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa.
8. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
9. Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
10. Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo.
11. Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga.
12. Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto.
13. Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.
14. Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa.
15. Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema kwomweya wemhino dzenyu.
16. Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji.
17. Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nokuti vakanga vondikurira.
18. Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
19. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti akanga achindifarira.
20. Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
21. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
22. Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema.
23. Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu.
24. Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
25. Ane ngoni munomuitirawo nengoni, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
26. Akanaka munomuitirawo zvakanaka, Nowakatsauka, munomuitirawo nehasha.
27. Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza.
28. Nokuti imi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.
29. Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
30. Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye.
31. Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
32. Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu.
33. Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira.
34. Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anhwembura uta hwendarira.
35. Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru.
36. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
37. Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa.
38. Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu.
39. Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
40. Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
41. Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
42. Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha.
43. Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
44. Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri.
45. Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
46. Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe.
47. Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu.
48. Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza.
49. Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.
50. Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; ,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.

  Psalms (18/150)