Psalms (17/150)  

1. Inzwai zvakarurama Jehovha, muteerere kuchema kwangu; Rerekerai nzeve dzenyu kumunyengetero wangu, unobva pamiromo isinganyengeri.
2. Kutongwa kwangu ngakubve pamberi penyu; Meso enyu ngaatarire zvakarurama.
3. Makaidza moyo wangu; makandishanyira usiku; Makandiidza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri Ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kudarika.
4. Kana ari mabasa avanhu; neshoko remiromo yenyu, Ini ndakanzvenga nzira dzomuparadzi.
5. Kutsika kwangu kwakarambira panzira dzenyu, Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
6. Ini ndakadana kwamuri, nokuti muchandipindura, imi Mwari; Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwangu.
7. Ratidzai unyoro hwenyu hunoshamisa, imi, munoponesa vanovimba nemi, Imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, ava vanovimba nemi Kuna vanovamukira simba.
8. Ndichengetei semboni yeziso renyu, Ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,
9. Kunavakaipa, vanondiparadza, Ivo vavengi vangu vakaipa, vanondikomba.
10. Vakadzivira moyo yavo;
11. Vanotaura vachikudza nemiromo yavo. Vakatikomba zvino pakufamba kwedu; Vanocherekedza nameso avo kuti vatiwisire pasi.
12. Vakafanana neshumba inokarira kuparadza, somwana weshumba inovandira panzvimbo dzakavanda.
13. Simukai, Jehovha, Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi; Rwirai mweya wangu nomunondo wenyu kuna vakaipa;
14. Kuvanhu, noruoko rwenyu imi Jehovha, Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu, Vamunozadza dumbu ravo nefuma yenyu; Vana vana vazhinji, Vanosiyira vacheche vavo zvakasara zvefuma yavo.
15. Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; Ndichaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu.

  Psalms (17/150)