| ← Psalms (16/150) → |
| 1. | Ndichengetei, Mwari, nokuti ndinovimba nemi. |
| 2. | Ndakati kuna Jehovha, "Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka." |
| 3. | Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru. |
| 4. | Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu. |
| 5. | Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu. |
| 6. | Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka. |
| 7. | Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku. |
| 8. | Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi. |
| 9. | Naizvozvo moyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguvo ichagara yakachengetwa. |
| 10. | Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora. |
| 11. | Mundiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi. |
| ← Psalms (16/150) → |