Psalms (16/150)  

1. Ndichengetei, Mwari, nokuti ndinovimba nemi.
2. Ndakati kuna Jehovha, "Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka."
3. Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru.
4. Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu.
5. Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu.
6. Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.
7. Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku.
8. Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.
9. Naizvozvo moyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguvo ichagara yakachengetwa.
10. Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.
11. Mundiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi.

  Psalms (16/150)