| ← Psalms (15/150) → |
| 1. | Jehovha, ndianiko angatsaukira mutende renyu? Ndianiko angagara pagomo renyu dzvene? |
| 2. | Uyo, anofamba asina mhosva, anoita zvakarurama, Anotaura zvokwadi mumoyo make. |
| 3. | Iye asina makuhwa parurimi rwake, Asingaitiri shamwari yake zvakaipa, Asingatuki waagere naye. |
| 4. | Munhu akashata anozvidzwa naye; Asi anokudza vanotya Jehovha. Iye anoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari. |
| 5. | Iye asingarevi mhindu pamari yake, Kana kugamuchira chipo pamusoro pausina mhosva. Munhu anoita zvinhu izvozvi haangatongozununguswi. |
| ← Psalms (15/150) → |