Psalms (149/150)  

1. Hareruya! Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, Nokurumbidzwa kwake paungano yavatsvene.
2. Isiraeri ngaafarire kwazvo musiki wake; Vana veZiyoni ngavave nomufaro naMambo wavo.
3. Ngavarumbidze zita rake vachimutambira; Ngavamuimbire nziyo dzokurumbidza nengoma nembira.
4. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; Achashongedza vanyoro noruponeso;
5. Vatsvene ngavafare kwazvo nokukudziwa; Ngavaimbe nomufaro panhovo dzavo.
6. Kurumbidza kukuru kwaMwari ngakuve pahuro dzavo, Nomunondo unocheka kwose paruoko rwavo;
7. Kuti vatsive vahedheni; Varange ndudzi dzavanhu;
8. Kuti vasunge madzimambo avo neketani, Navakuru vavo nezvisungo zvamatare.
9. Kuti vavaitire zvavakatongerwa zvakanyorwa; Vatsvene vake vose vachakudzwa naizvozvi. Hareruya!

  Psalms (149/150)