| ← Psalms (148/150) → |
| 1. | Hareruya! Rumbidzai Jehovha, imi muri kudenga; Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro. |
| 2. | Murumbidzei imi vatumwa vake vose; Murumbidzei imi hondo dzake dzose. |
| 3. | Murumbidzei imi zuva Murumbidzei imi nyeredzi dzose dzinovhenekera. |
| 4. | Murumbidzei imi kudenga kwokudenga-denga, Newe mvura zhinji, iri kumusoro kwokudenga-denga. |
| 5. | Ngazvirumbidze zita raJehovha; Nokuti iye akaraira, zvikasikwa. |
| 6. | Akazvisimbisawo nokusingaperi-peri; Akatema chirevo chisingafaniri kudarikwa. |
| 7. | Rumbidzai Jehovha imi vapasi, Imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika; |
| 8. | Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva; |
| 9. | Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose; |
| 10. | Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka; |
| 11. | Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi; |
| 12. | Majaya nemhandara; Vatana navana; |
| 13. | Ngavarumbidze zita raJehovha; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga. |
| 14. | Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedo naye. Hareruya! |
| ← Psalms (148/150) → |