| ← Psalms (147/150) → |
| 1. | Hareruya. Nokuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira. |
| 2. | Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri. |
| 3. | Anoporesa vane moyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo. |
| 4. | Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo. |
| 5. | Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi. |
| 6. | Jehovha anobatsira vanyoro; |
| 7. | Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira; |
| 8. | Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo. |
| 9. | Anopa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguvo, anochema. |
| 10. | Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume. |
| 11. | Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira ngoni dzake. |
| 12. | Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni. |
| 13. | Nokuti wakasimbisa mazariro amasuo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako. |
| 14. | Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka. |
| 15. | Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo. |
| 16. | Anopa vanhu chando samakushe amakwai, Anoparadzira chando samadota. |
| 17. | Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake? |
| 18. | Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera. |
| 19. | Anozivisa Jakobho shoko rake, Nalsiraeri mitemo yake nezvaakatonga. |
| 20. | Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya! |
| ← Psalms (147/150) → |