| ← Psalms (146/150) → |
| 1. | Hareruya! Rumbidzai Jehovha, iwe mweya wangu! |
| 2. | Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo. |
| 3. | Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira. |
| 4. | Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera. |
| 5. | Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake. |
| 6. | Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi; |
| 7. | Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa; |
| 8. | Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama; |
| 9. | Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa. |
| 10. | Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya! |
| ← Psalms (146/150) → |