Psalms (146/150)  

1. Hareruya! Rumbidzai Jehovha, iwe mweya wangu!
2. Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.
3. Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira.
4. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera.
5. Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake.
6. Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi;
7. Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa;
8. Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama;
9. Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.
10. Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!

  Psalms (146/150)