| ← Psalms (143/150) → |
| 1. | Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu. |
| 2. | Regai kutonga muranda wenyu; Nokuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu. |
| 3. | Nokuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa. |
| 4. | Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. moyo wangu wavhunduswa mukati mangu. |
| 5. | Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu. |
| 6. | Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa. |
| 7. | Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba. |
| 8. | Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; Nokuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri. |
| 9. | Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemi. |
| 10. | Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere, |
| 11. | Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu. |
| 12. | Pedzai vavengi vangu nounyoro hwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; Nokuti ndiri muranda wenyu. |
| ← Psalms (143/150) → |