| ← Psalms (142/150) → |
| 1. | Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; Nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha. |
| 2. | Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu. |
| 3. | Panguva yokumanikidzwa kwomweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo. |
| 4. | Tarirai kurudyi rwangu, muone; nokuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu. |
| 5. | Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, "Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu." |
| 6. | Teererai kudanidzira kwangu; nokuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nokuti vanondikurira nesimba. |
| 7. | Budisai mweya wangu patorongo, kuti ndivonge zita renyu; Vakarurama vachandipoteredza; Nokuti muchandiitira zvakanaka kwazvo. |
| ← Psalms (142/150) → |