Psalms (142/150)  

1. Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; Nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.
2. Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.
3. Panguva yokumanikidzwa kwomweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.
4. Tarirai kurudyi rwangu, muone; nokuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu.
5. Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, "Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu."
6. Teererai kudanidzira kwangu; nokuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nokuti vanondikurira nesimba.
7. Budisai mweya wangu patorongo, kuti ndivonge zita renyu; Vakarurama vachandipoteredza; Nokuti muchandiitira zvakanaka kwazvo.

  Psalms (142/150)