| ← Psalms (141/150) → |
| 1. | Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai inzwi rangu kana ndichidana kwamuri. |
| 2. | Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana. |
| 3. | Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu. |
| 4. | Regai kurerekesa moyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama. |
| 5. | Akarurama ngaandirove netsitsi; Ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; Musoro wangu haungaarambi; Nokuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo. |
| 6. | Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka. |
| 7. | Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori. |
| 8. | Nokuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu. |
| 9. | Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama. |
| 10. | Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu. |
| ← Psalms (141/150) → |