Psalms (141/150)  

1. Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai inzwi rangu kana ndichidana kwamuri.
2. Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana.
3. Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu.
4. Regai kurerekesa moyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama.
5. Akarurama ngaandirove netsitsi; Ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; Musoro wangu haungaarambi; Nokuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo.
6. Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka.
7. Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori.
8. Nokuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu.
9. Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama.
10. Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu.

  Psalms (141/150)