Psalms (140/150)  

1. Ndirwirei Jehovha pamunhu wakaipa, Ndichengetei pamunhu anehasha;
2. Ivo, vanofunga zvakaipa mumoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa.
3. Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu hwechiva huri pasi pemiromo yavo.
4. Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu.
5. Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe.
6. Ndakati kuna Jehovha, Mwari wangu; " Teererai, Jehovha, munzwe inzwi rokukumbira kwangu.
7. Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa.
8. Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza.
9. Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze.
10. Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve.
11. Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze.
12. Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi.
13. Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemoyo yakarurama vachagara pamberi penyu.

  Psalms (140/150)