| ← Psalms (140/150) → |
| 1. | Ndirwirei Jehovha pamunhu wakaipa, Ndichengetei pamunhu anehasha; |
| 2. | Ivo, vanofunga zvakaipa mumoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa. |
| 3. | Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu hwechiva huri pasi pemiromo yavo. |
| 4. | Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu. |
| 5. | Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe. |
| 6. | Ndakati kuna Jehovha, Mwari wangu; " Teererai, Jehovha, munzwe inzwi rokukumbira kwangu. |
| 7. | Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa. |
| 8. | Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza. |
| 9. | Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze. |
| 10. | Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve. |
| 11. | Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze. |
| 12. | Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi. |
| 13. | Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemoyo yakarurama vachagara pamberi penyu. |
| ← Psalms (140/150) → |