Psalms (14/150)  

1. Benzi rakati mumoyo maro, "Mwari haako." Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka.
2. Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
3. Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
4. Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha.
5. Vakanga vachitya zvikuru ipapo; Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.
6. Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.
7. Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.

  Psalms (14/150)