Psalms (139/150)  

1. Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva.
2. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.
3. Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose.
4. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.
5. Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
6. Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri.
7. Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?
8. Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhovo paSheori, tarirai muripowo.
9. Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa;
10. Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa,
11. Kana ndikati, "Zvirokwazvo, rima richandifukidza," Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku;
12. Kunyange rima haringandivanzi kwamuri, Asi usiku hunopenya samasikati; Rima nechiedza zvakafanana.
13. Nokuti imi makaumba itsvo dzangu; Makandiruka mudumbu ramai vangu.
14. Ndichakuvongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; Mabasa enyu anoshamisa; Mweya wangu unozviziva kwazvo.
15. Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, Panguva yandakaitwa pakavanda, Pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi.
16. Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa,Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu,zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo.
17. Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
18. Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi.
19. Dai muchiuraya henyu vakaipa, Mwari; Naizvozvo ibvai kwandiri, imi vanhu veropa.
20. Nokuti vanokutaurirai zvakaipa, Vavengi venyu vanoreva zita renyu pasina.
21. Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handine shungu here navanokumukirai?
22. Ndinovavenga nembengo huru; Vava vavengi vangu.
23. Ndinzverei, Mwari, muzive moyo wangu; Ndiidzei, muzive ndangariro dzangu;
24. Mutarire kana panenzira yakaipa mandiri, Mundifambise munzira isingaperi.

  Psalms (139/150)