| ← Psalms (139/150) → |
| 1. | Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. |
| 2. | Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. |
| 3. | Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose. |
| 4. | Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose. |
| 5. | Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. |
| 6. | Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri. |
| 7. | Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? |
| 8. | Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhovo paSheori, tarirai muripowo. |
| 9. | Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa; |
| 10. | Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa, |
| 11. | Kana ndikati, "Zvirokwazvo, rima richandifukidza," Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku; |
| 12. | Kunyange rima haringandivanzi kwamuri, Asi usiku hunopenya samasikati; Rima nechiedza zvakafanana. |
| 13. | Nokuti imi makaumba itsvo dzangu; Makandiruka mudumbu ramai vangu. |
| 14. | Ndichakuvongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; Mabasa enyu anoshamisa; Mweya wangu unozviziva kwazvo. |
| 15. | Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, Panguva yandakaitwa pakavanda, Pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi. |
| 16. | Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa,Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu,zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo. |
| 17. | Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! |
| 18. | Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi. |
| 19. | Dai muchiuraya henyu vakaipa, Mwari; Naizvozvo ibvai kwandiri, imi vanhu veropa. |
| 20. | Nokuti vanokutaurirai zvakaipa, Vavengi venyu vanoreva zita renyu pasina. |
| 21. | Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handine shungu here navanokumukirai? |
| 22. | Ndinovavenga nembengo huru; Vava vavengi vangu. |
| 23. | Ndinzverei, Mwari, muzive moyo wangu; Ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; |
| 24. | Mutarire kana panenzira yakaipa mandiri, Mundifambise munzira isingaperi. |
| ← Psalms (139/150) → |