Psalms (138/150)  

1. Ndichakuvongai nomoyo wangu wose; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pamberi pavamwari.
2. Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene, Nokuvonga zita renyu nokuda kwounyoro hwenyu nokutendeka kwenyu; Nokuti makakurisa shoko renyu kupfuura zita renyu rose.
3. Pazuva randakadana makandipindura, Makandisimbisa nesimba pamweya wangu.
4. Madzimambo ose enyika achakuvongai, Jehovha, Nokuti vakanzwa mashoko omuromo wenyu.
5. Zvirokwazvo, vachaimba vachireva nzira dzaJehovha; Nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
6. Nokuti Jehovha ari kumusoro, kunyange zvakadaro ane hanya neanozvininipisa; Asi anamanyawi Jehovha anomuziva ari kure.
7. Kana ndichifamba pakati penhamo, imi muchandiponesa; Muchatambanudza ruoko rwenyu kudzivisa kutsamwa kwavavengi vangu, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.
8. Jehovha achandikwanisira zvinhu zvangu; Ngoni dzenyu, Jehovha, dzinogara nokusingaperi; Musarega mabasa amaoko enyu.

  Psalms (138/150)