| ← Psalms (138/150) → |
| 1. | Ndichakuvongai nomoyo wangu wose; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pamberi pavamwari. |
| 2. | Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene, Nokuvonga zita renyu nokuda kwounyoro hwenyu nokutendeka kwenyu; Nokuti makakurisa shoko renyu kupfuura zita renyu rose. |
| 3. | Pazuva randakadana makandipindura, Makandisimbisa nesimba pamweya wangu. |
| 4. | Madzimambo ose enyika achakuvongai, Jehovha, Nokuti vakanzwa mashoko omuromo wenyu. |
| 5. | Zvirokwazvo, vachaimba vachireva nzira dzaJehovha; Nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru. |
| 6. | Nokuti Jehovha ari kumusoro, kunyange zvakadaro ane hanya neanozvininipisa; Asi anamanyawi Jehovha anomuziva ari kure. |
| 7. | Kana ndichifamba pakati penhamo, imi muchandiponesa; Muchatambanudza ruoko rwenyu kudzivisa kutsamwa kwavavengi vangu, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa. |
| 8. | Jehovha achandikwanisira zvinhu zvangu; Ngoni dzenyu, Jehovha, dzinogara nokusingaperi; Musarega mabasa amaoko enyu. |
| ← Psalms (138/150) → |