| ← Psalms (137/150) → |
| 1. | Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Ziyoni. |
| 2. | Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu. |
| 3. | Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, "Tiimbireiwo rwiyo rweZiyoni." |
| 4. | Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa? |
| 5. | Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo. |
| 6. | Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu, Kana ndikarega kukurangarira; Kana ndisingati Jerusaremu Ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose. |
| 7. | Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu Pamusoro pezuva reJerusaremu; Ivo, vakati, "Paradzai, paradzai, Kusvikira panheyo dzaro." |
| 8. | Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa; Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira Sezvawakatiitira iwe. |
| 9. | Munhu uyo achava nomufaro, achatora pwere dzako Nokudzirovera padombo. |
| ← Psalms (137/150) → |