Psalms (137/150)  

1. Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Ziyoni.
2. Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu.
3. Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, "Tiimbireiwo rwiyo rweZiyoni."
4. Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa?
5. Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.
6. Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu, Kana ndikarega kukurangarira; Kana ndisingati Jerusaremu Ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose.
7. Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu Pamusoro pezuva reJerusaremu; Ivo, vakati, "Paradzai, paradzai, Kusvikira panheyo dzaro."
8. Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa; Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira Sezvawakatiitira iwe.
9. Munhu uyo achava nomufaro, achatora pwere dzako Nokudzirovera padombo.

  Psalms (137/150)